...

0 views

CHIEDZA


CHIEDZA


written by
mai Kim



free book 📚




chapter 11


CHIEDZA

handina kumbobvira ndambofungira kuti ndichapindawo muguta guru reharare
asi mwari uyu
nyasha dzaandiratidza
ndinoona sekuti hadzina zera neni
muupenyu pane vamwe vanhu vakatumwa kuzochinja life yevamwe vanhu chokwadi
ini ndinozvipupura nekuti Ndini umwe akatumirwa mutumwa muupenyu hwake


kuharare takanogara zvakanaka chose ,
uye taibatwa zvakanaka umwe wangu akange aitabrombobrakanaka rekudiwa nehama dzemurume wake ,
wakava mufaro mega paguta guru mhuri iyi ichipemberera muroora wayo
kuharare takanogara vhiki rese asi ini ndakaona sekuti takangoita zuva rimwe nekuda kwekunakidzwa kwandaiitwa


Tichidzokera kumba taingokurukura nezvemufaro wekwataive ,
uye ndaingorumbidzawo umwe wangu kuti akange azviwanira mhuri yakanaka uye inouya mwari regai kuchinzi ukaita chakanaka wazviitira

tichisvika kumba takananga muromo reumwe wangu iro rakange rave redu tese nekuti ndomandaingovatawo asi mabasa ndaiita angu ehumaid
ivawo mambokadzi Havana Kuda kurega kunetsana neni zvakatowedzera kubva zvandabva Harare nekuti tsanwa dzavainge voridza ndikavamhoresa dzaive nemunhu pasi chaiko
asi...